Kuporeswa kubva kuma ACIDS kuno kuUSA! | Online Prayer Testimony
-
0:01 - 0:06Ndapedza kunamata ndakaenda ndikadya chikafu chiya chaiwanzondipa marwadzo mushure mekuchidya.
-
0:06 - 0:10uye handina kuzombonzwa kurwadziwa zvakare - kusvika nhasi!
-
0:14 - 0:20Uchapupu
-
0:21 - 0:27Nesimba muzita raJesu Kristu, gamuchira rusununguko rwako!
-
0:27 - 0:30Gamuchira kuporeswa kwako!
-
0:30 - 0:32Gamuchira kubudirira kwako!
-
0:32 - 0:35Gamuchira kudzorerwa!
-
0:35 - 0:41Zvigamuchire! Zvigamuchire nhasi!
-
0:42 - 0:52Zita rangu ndinonzi Merick, uye ndinowanikwa muKnoxville, Tennessee, USA.
-
0:52 - 1:03Ini ndinobva kuEast Africa, Tanzania, uye ndakauya kuno kumashure muna 2007.
-
1:03 - 1:13Kubvira panguva iyoyo, pashure peanenge makore mashanu apfuura, ndakabva ndatanga kuona kuchinja kwakati.
-
1:13 - 1:18Ndainzwa kurwadziwa mudumbu mangu, kurwadziwa kwakanyanya,
-
1:18 - 1:24kunyanya pandaidya bhinzi, matomatisi kana muto weremoni.
-
1:24 - 1:31Ndakanga ndichirwadziwa zvikuru, saka ndakagara nazvo kwenguva yakati.
-
1:31 - 1:37Ndakabva ndafunga kuenda kunoona chiremba vachibva varongana.
-
1:37 - 1:44Pazuva rekuita, pavakaisa kamera mandiri,
-
1:44 - 1:51mhedzisiro yakauya yekuti ndaive negasi - pakanga paine gasi rakawandisa mandiri.
-
1:51 - 1:56Vakaritumidza kuti gastritis, iyo yakakonzera marwadzo akawanda.
-
1:56 - 1:59Kunyange dzimwe nguva ndainzwa kurwadziwa mumwoyo.
-
1:59 - 2:05Kare, ndaifunga kuti inyaya yemoyo - sekunge ndave kuda kubatwa nechirwere chemoyo.
-
2:05 - 2:08Bva, ndakanga ndava kunzwa kutemwa nomusoro kwakawanda.
-
2:08 - 2:14Saka vakandiisa pamushonga uye ndainwa mushonga
-
2:14 - 2:20kuderedza gasi nokuti hapana mushonga wekuporesa rudzi rwakadaro rwemamiriro ezvinhu.
-
2:20 - 2:25Ndakaramba ndichinwa mushonga.
-
2:25 - 2:30Pakupera kwezuva, ndakafunga kuti, 'Ndicharamba ndichinwa mushonga nguva dzose.'
-
2:30 - 2:41Ipapo ndakati, 'Aiwa, ndinogona kuvimba naMwari nokuti ndinoziva kuti Mwari vanokwanisa kuunza shanduko mandiri.'
-
2:41 - 2:48Uye ndakaramba ndichinamata - asi ndakanga ndichiri kunzwa kurwadziwa mandiri.
-
2:48 - 2:53Ndakasiya kunwa mushonga, saka pese pandaidya chikafu chakadaro...
-
2:53 - 2:57Nekuti handina kukwanisa kurega kudya chikafu chavakanditi ndirege,
-
2:57 - 3:03izvo zvandaidya kubva ndiri muAfrica.
-
3:03 - 3:07Ndakarwadziwa kudaro kwemakore anenge masere.
-
3:07 - 3:16Rimwe zuva ndakanga ndiri pasocial media - uye ndaiziva Hama Chris kubva pavakanga vari kuThe SCOAN.
-
3:16 - 3:23Ndakaona adzoka kuUK, ndikaramba ndichimutevera.
-
3:23 - 3:26Ndinoziva kuti munhu waMwari akanaka, akazvininipisa.
-
3:26 - 3:31Uye ndakaona kuti vanhu vaibatana sei naye uye kuti aivakurudzira sei.
-
3:31 - 3:36Saka ndakakomborerwa zvikuru nekurudziro yake.
-
3:36 - 3:41Ndakaramba ndichizvikurudzira nezvose zvaaindikurudzira.
-
3:41 - 3:44Ndakaenderera mberi nekuzvibatanidza nekuzvikurudzira nazvo.
-
3:44 - 3:49Uye ndakazoona chinongedzo chekuti ungabatanidza sei munamato.
-
3:49 - 3:59Ndinoziva kuti Mweya waMwari wanga uchinditungamira kuti nditevere chinongedzo ichocho uye ndipe chikumbiro changu chemunamato.
-
3:59 - 4:05Pandakatumira chikumbiro changu, ndakakokwa kuti ndipinde muInteractive Munamato muna Chivabvu 4, 2024.
-
4:05 - 4:09Ndakabatanidza shumiro, ndakamirira kuti mukoma Chris vauye.
-
4:09 - 4:14Saka pandakanga ndakabatana, yaive nguva yezvipupuriro.
-
4:14 - 4:24Ndakanga ndakabatana, ndichiteerera vanhu vachipupura zvakaitwa naMwari muupenyu hwavo.
-
4:24 - 4:28Munhu wekupedzisira, mukadzi wekuSouth Africa,
-
4:28 - 4:35ndaipupura nezvedambudziko randakanga ndatarisana naro panguva iyoyo.
-
4:35 - 4:37Ndizvo zvaaipupura.
-
4:37 - 4:44Ndakaziva kuti kwaiva kugadzwa kwaMwari, uye ndaiziva kuti ndakanga ndiri kutambira kuporeswa kwangu
-
4:44 - 4:51ipapo mushure mekunge ndatenda kuti kana Mwari vamuporesa, Vaizondiporesawo.
-
4:51 - 4:59Naizvozvo ndakapfuurira mumunyengetero, ndichidavira kuti ‘nhasi izuva rangu’ uye ndaizogamuchira kuporeswa kwangu.
-
4:59 - 5:06Mukoma Chris pavakauya takabva tabatana pakunamata. Takanamata ndokunamata.
-
5:06 - 5:13Uye kubva panguva iyoyo, ndakatanga kunzwa shanduko mandiri.
-
5:13 - 5:18Ndakatanga kunzwa runyararo. Handina kana kumbonzwa kurwadziwa.
-
5:18 - 5:25Uye mushure memunamato, ndakaenda ndikadya rudzi rwechikafu chaizowanzondirwadza.
-
5:25 - 5:28uye handina kuzombonzwa kurwadziwa zvakare - kusvika nhasi!
-
5:28 - 5:32Mwari vanokwanisa uye vakandiitira.
-
5:32 - 5:40Pandinodya bhinzi kana chero chikafu chine lemon, matomatisi kana zvinhu zvakadaro,
-
5:40 - 5:41Handichanzwi kurwadziwa.
-
5:41 - 5:50Kana kuti ndikanwa passionfruit kana muto weorenji, handicharwadziwa.
-
5:50 - 5:52Saka hapasisina marwadzo.
-
5:52 - 5:56Uye chaizvoizvo, ndaimbova nenguva yakaoma yokurara.
-
5:56 - 6:00Pandaidya ndaitofanira kurara nedivi.
-
6:00 - 6:05Nekuti dzimwe nguva ndaisangana nereflux kana ndakarara.
-
6:05 - 6:12Ndaitozoshandisa piro kusimudza musoro kana ndarara.
-
6:12 - 6:14Asi Mwari vakandiitira.
-
6:14 - 6:20Ndinoda kuudza vanhu – Mwari wedu anoshamisa uye ndiBaba vane rudo.
-
6:20 - 6:26Anoziva zvatiri kunzwa. Anoziva kurwadziwa kwedu. Anoziva kuchema kwedu.
-
6:26 - 6:31Uye Anogara achitigadzirira zvitsvene.
-
6:31 - 6:34Anogara achinzwa zvatinonzwa.
-
6:34 - 6:38Hapana anogona kunzwa nenzira yatinonzwa - saMwari.
-
6:38 - 6:43Hapana anogona kuona misodzi yedu - saMwari.
-
6:43 - 6:48Saka Mwari vanogara vaine tsitsi nesu.
-
6:48 - 6:51Semwana waMwari, unofanirawo kutenda.
-
6:51 - 6:57Kana Mwari akazviitira ini achakuitirawo iwe. NdiMwari akanaka!
- Title:
- Kuporeswa kubva kuma ACIDS kuno kuUSA! | Online Prayer Testimony
- Description:
-
Apo Merick, wekuTanzania anogara kuUSA, akateerera huchapupu pa God's Heart Tv hwemudzimai weku South Africa, kutenda kwake kwakasimudzirwa - apo Mwari vakamuporesa kubva mudambudziko rakafanana nairori raitambudzwa naro. Apo muchateerera kupupura kwake, tonamata kuti kwenyu kutenda kuchasimudzirwawo kuti mutende kuti hwenyu huchapupu huchavepowo.
Kuti muwane kunamatirwa zviri pachena naMukoma Chris paZOOM isai chikumbiro chekunamatirwa apa- https://www.godsheart.tv/zoom.
Wana kurudziro mazuva ese paWhatsApp - https://godsheart.tv/whatsapp/
➡️ Kuva mumwe we God's Heart TV Partner - https://godsheart.tv/partnership
➡️ Zvizere pamusoro pe Interactive Prayer - https://godsheart.tv/interactive-prayer/
➡️ Kana uchida kuva God's Heart TV Translator/mududziri enda apa- https://godsheart.tv/translate/
➡️ Kugoverana nesu huchapupu hwako/testimony unoenda apa - https://godsheart.tv/testimony
➡️ Kana uchida kupinda mu Live Prayer Service paMugovera wekutanga mwedzi wega wega unoenda apa - https://www.youtube.com/godshearttv/live - Video Language:
- English
- Team:
- God's Heart TV
- Duration:
- 07:27
Evelyn Sharon Chaurura edited Shona subtitles for HEALING from GASTRITIS in USA! | Online Prayer Testimony | ||
Evelyn Sharon Chaurura edited Shona subtitles for HEALING from GASTRITIS in USA! | Online Prayer Testimony |